Thursday, August 6, 2009

Nherera dzobatsirwa

neMunyori weKwayedza
August 6, 2009

Bhaibheri rinoti kunamata kwechokwadi kunosanganisira kuchengeta nherera neshirikadzi pamwe nokushanyira vanorwara.

Izvo ndizvo zvichange zvichionekwa zvichiiitwa nemubatanidzwa wemachechi ari kuChitungwiza pasi pezita rokuti Ecumenical Relief Services Association.

Mubatanidzwa uyu ipfungwa yakaunzwa naVaCharles Mutama, mukuru wesangano reMutama Development Trust, iyo vakavamba vari mhiri kwemakungwa nechinangwa chokuti machechi ave anoshanda pamwe mukubatsira nharaunda nokuunza sanduko yakatsarukana mubasa iri.

Chinangwa chavo kurwisa kutambura kuburikidza nokusimudzira dzidzo, kodzero dzekuva nezvivakwa, kuziva nharaunda pamwe nokuisimudzira.

Nokuda kweizvi, Mutama Development Trust ine basa rokuunza kurongeka munharaunda nokuona kuti batsiro yose inouya muChitungwiza inosvika kune vakakodzera kuiwana kuburikidza nemachechi achange achiunganidza zvokudya, zvipfeko nemamwe mabasa okuendesa vana kuzvikoro nokuchengeta vakafirwa.

Tarisiro iripo ndeyekuzopedza matambudziko anoberekwa munharaunda nokuda kwevana vanenge vashaya misha yakatsarukana yokugara, dzidzo uye hutano hwakanaka nokudya zvakafanira.

Naizvozvo mubatanidzwa uyu unotarisirwa kuti uchaunza sanduko yakanaka kune vanoda rubatsiro munharaunda yeChitungwiza kuburikidza nekushanda pamwe.